CHIRWERE cheCOVID-19 chakabatwa muvanhu kuChina muna Zvita 2019. Zvinofungidzirwa kuti chakatanga nekuda kwehunhu hwevanhu vekuChina hwekudya tupukanana twakasiyana-siyana. Mukudya uku ndomakabva hwaive hutachiwana hwemhuka uchiuya muvanhu. Hutachiwana uhwu hunonzi coronavirus asi chirwere chaunokonzera chakazopihwa zita rekuti COVID-19. Na Chiremba Grant Murewanhema Nekuda kwekufamba kwevanhu chirwere ichi chakapararira nekutekeshera nyika dzose dzepasi rose. Chakanyanyisa kukonzeresa bongozozo nekusagarika munyika dzinenge ana Spain, Italy nevaivembove vapambepfumi veZimbabwe, Great Britain zvekare ne America. Munyika idzi chakauraya chakapararira kuenda kuuwandu hwevanhu hwave kudarika mamirioni gumi nevaviri chikauraya zvekare vanhu vanodarika zviuru 500 nevanoraudzira. Vanhu vazhinji…
Read More