MAIZVIZIVA here kuti kwava nemhete inodzivirira munhukadzi kuti asabatire utachiona hweHIV kubva kumunhurume? Mhete iyi inosunga utachiona mbira dzakondo kuti shwee, zvekuti hapana kupukunyuka kubva mungetani idzi. NaCatherine Murombedzi Muchirungu mhete iyi inonzi Depiravine ring, yakagadzirwa nemushonga unogadzira mapiritsi ema ARV. Vazhinji vanga vaine dambudziko rekunwa mapiritsi ekudzivirira HIV anonzi pachirungu PrEP. Mushonga we PrEP uyu unodziirira vaya vanoita bonde rangarisina dziviriro yemakondomu, naizvozvo vanoita kunwa ari mapiritsi. Mhete itsva Mhete iyi inosunga utachiona mbira dzakondo, kuisa ngetani utachiona huchiri pamusuwo chaipo. Mhete iyi haipfekwe munzeve, muchigunwe kana paguvhu, inopfekwa…
Read More