Hakuna mukana wekuti utachiona uhwu hungawanikwe muropa raungagamuchire kubva kuNBSZ” MUSABATIRE hana mumaoko muchizeza kuti zvino shuramatongo yatekeshera pasi rese yeCoronavirus yemhando yeCOVID-19, haiwanikwe yakahwanda muropa rinopiwa varwere vanoda ropa here? Iyi inhau iri pamiromo pevanhu vazhinji. Woti dambudziko rekuda kuwedzerwa ropa nekuda kwenjodzi, kana icho chakupa ronda chati nhunzi dzikudye here, wanikwe ropa racho rinendereka, zvinozofamba sei? NaCatherine Murombedzi Aiwa, zorodzai henyu pfungwa, izvi hazviitike, sangano guru rehomwe yeropa, iro rinoferefeta ropa zvakare, reNational Blood Services Zimbabwe (NBSZ) rakazivisa. COVID-19 yakasiyana neutachiona hweHIV. HIV inorarama uye inogara nekukura muropa…
Read More