VanaChiremba Vakuru Voratidzira Nenyaya Yekushaya Zvipfeko Zve COVID-19

VANACHIREMBA vakuru vanoshandira muzvipatara zveHurumende, vazivisa kuti vachaisa pasi mapadza ebasa mushure mekunge vamwe vavo vawana utachiona hweCOVID-19 vari pabasa. Mutsamba yavakanyorera mukuru akafanobata chigaro chegurukuta ravanoshandira reUtano Nekurerwa Kwakanaka Kwevana, Muzvinafundo Amos Murwira, musi weChitatu 14 Chikunguru, 2020 vakati tinokuzivisai kuti mukupera kwemazuva gumi nemana, tichaisa tsvimbo dzebasa, mapadza nenhava pasi kana kuchema kwedu kwatadza kunzwikwa. Vakuru vakati mwana asingacheme anofira mubereki. Na Catherine Murombedzi Nekuda kwekushaya simba kunomuka mari yemuno yaita musi nezuva, mari yemuno inotambirwa nanamukoti vakuru haichina basa zvachose. Mari yavanotambira yasiiwa kure kure mumujawo nemitengo,…

Read More