Vana Muzvikoro Voita Zvinorova…Ngatiiseyi Misoro Pamwe Chete Tibatsire Vana Kuitira Ramangwana Rakajeka

MAPURISA akapa chenjedzo kuvabereki nevana vezvikoro zvichibva mumanyama amire nerongo aita pwere dzedu muzvikoro. Hatina chokwadi kuti izvi zvaigaroitika here, kana kuti zvitsva. Ingave nhau yekuti kwava nenharembozha dzotora mifananidzo izvo zvoita kuti nhau dzibude pachena nekukasika. By Catherine Murombedzi Havasi vans vese vave kuita chakapedza mbudzi, vashoma ivavo mucherechedzo wedambudziko rapinda muvana. Mumwe angati, “haasi wangu mwana aita chisionekwi ichi, asi, yeukai, mwana ndewe munhu wese.” Kubvira kudzokera kwaita vana vari mugwaro rekunyora bvunzo regwaro reChinomwe, gore reChina nereChitanhatu kuchikoro chesekondari, zvataona zvobuda mugapu iri zvaratidza kuti mabhuku asendekwa,…

Read More

Chii Chinokonzera Kuti Nhengo Yababa Ipere Simba Nguva Dze Bonde?

WAKAMBOTI here uripakati pekujaiva kukambo kaunodisisa mubhahwa magetsi obva angodzima. Zvinosvota sei? Izvozvo ndozvinonzwa vana mai vakawanda mudzimba umu kana chombo chababa chapera simba nguva dzekuti vanga vachifanira kufamba nebhora. Na Michael Gwarisa Kupera simba kwennhengo yababa kana kuti Erectile Dysfunction (ED) kunoitika kana murume kana kuti baba vatadza kuti nhengo yavo irambe yakamira zvinokonzera kuti mese murume nemukadzi musare mune nzara. Dambudziko iri re Erectile Dysfuntion rinowedzerawo ne zvikamu makumi maviri (22%) kuvarume vari pamusoro pe makore makumi matanahtu (60) huye makumi matatu kuvarume vane makore makumi masere (70).…

Read More

Kudya Sikarudzi Dzakawanda Kunogona Kukonzera Gomarara Re Mumuromo ne Pagurokuro- Vanamzvikokota

WANGA uchizviziva here kuti kudya sikarudzi senzira (Oral Sex) yekuita bonde kunogona kukuisa muna taisireva? Njodzi huru iripo kana uri munhu uya anosangana neshamwari dzakawanda dzepabonde huye uchifarira zvekudya yekera. Na Michael Gwarisa Vanamazvikokota vanoona nezve denda re Gomarara kana kuti Cancer vanoti ivo zvinokwanisika kuti hutaichiona hwe Human Papilloma Virus (HPV) hunokonzera cancer kuti hutapururanwe kupfurikidza ne nekudya sika rudzi dzaka siyana siyana. Kune tvsakurudzo dzakanyorwa mu Annals of Oncology dzakatarisa zvakawanikwa ne National Health and Nutrition Survey zvinova zvakaratidza kuti vanhu zviuru zvemazana 13, 089 vemakore ari pakati…

Read More

Kwava Nemhete Inodzivirira Munhukadzi Kuti Asabata Hutachiona Hwe HIV

MAIZVIZIVA here kuti kwava nemhete inodzivirira munhukadzi kuti asabatire utachiona hweHIV kubva kumunhurume? Mhete iyi inosunga utachiona mbira dzakondo kuti shwee, zvekuti hapana kupukunyuka kubva mungetani idzi. NaCatherine Murombedzi Muchirungu mhete iyi inonzi Depiravine ring, yakagadzirwa nemushonga unogadzira mapiritsi ema ARV. Vazhinji vanga vaine dambudziko rekunwa mapiritsi ekudzivirira HIV anonzi pachirungu PrEP. Mushonga we PrEP uyu unodziirira vaya vanoita bonde rangarisina dziviriro yemakondomu, naizvozvo vanoita kunwa ari mapiritsi. Mhete itsva Mhete iyi inosunga utachiona mbira dzakondo, kuisa ngetani utachiona huchiri pamusuwo chaipo. Mhete iyi haipfekwe munzeve, muchigunwe kana paguvhu, inopfekwa…

Read More

“COVID-19 Haitapurirwe Nekupihwa Ropa Muchipatara”-NBSZ

Hakuna mukana wekuti utachiona uhwu hungawanikwe muropa raungagamuchire kubva kuNBSZ” MUSABATIRE hana mumaoko muchizeza kuti zvino shuramatongo yatekeshera pasi rese yeCoronavirus yemhando yeCOVID-19, haiwanikwe yakahwanda muropa rinopiwa varwere vanoda ropa here? Iyi inhau iri pamiromo pevanhu vazhinji. Woti dambudziko rekuda kuwedzerwa ropa nekuda kwenjodzi, kana icho chakupa ronda chati nhunzi dzikudye here, wanikwe ropa racho rinendereka, zvinozofamba sei? NaCatherine Murombedzi Aiwa, zorodzai henyu pfungwa, izvi hazviitike, sangano guru rehomwe yeropa, iro rinoferefeta ropa  zvakare, reNational Blood Services Zimbabwe (NBSZ) rakazivisa. COVID-19 yakasiyana neutachiona hweHIV. HIV inorarama uye inogara nekukura muropa…

Read More

Misika Yemuriwo Nembatya Yorura Ne COVID-19

MUTSVAKURUDZO dzakaitwa nevari kuona nezve denda re COVID-19 munyika ye Zimbabwe, ve COVID-19 taskforce, zvinoratidza kuti nzvimbo dzekutengeserana ndimo muri kutapurianwa chirerwe che COVID-19 zvakanyanya mumaguta  makuru e Harare ne Bulawayo. Na Michael Gwarisa Vachitaura mu tsamba kuvatapi venhau, gurukuota rinoona nezvekufambiswa kwemashoko, Minister Monica Mutsvangwa vati ivo vanhu vakawanda havazi ketevedza zvakatemwa ne bazi re World Health Organisation (WHO) kuti vadzivirire chirwere che COVID-19 munyika. “Pane tsvakurudzo irikuitwa yekutarisa nzvimbo dziri kutsviriridza ne COVID-19 munyika yese. Nzvimbo dziri kutariswa dzinosangasnisira misika yemiriwo muguta re Harare ne Bulawayo. Zvakaonekwa kuti…

Read More

Sei Zvakakosha Kumwa Ma ARVs Nenguva Huye Kuva Ne Wachi Nguva Dzose Kana Uri Pachirongwa

WACHI kana kuti Chiringazuva mudziyo wakakosha zvikuru kunyanya kumhunhu akurarama ane hutachiona hwe HIV huye ari pamapiritsi ema Antiretroviral (ARVS), vakadaro ve sangano re Family AIDS Caring Trust (FACT). By Michael Gwarisa Vachitaura ne bepanhau repamasai-sai re HealthTimes ku dunhu re Manicaland, Mukuru anoona nezvekufambiswa kwezvehutano (Community Health Officer) mu sangano re FACT, muzvare Mirriam Muchadzingwa vakati ivo vanhu vazhinji mudunhu re kwa Marange Ku Municaland vanorarama nehutachiona uye vari pa ma ARVs vanotadza kumwa mapiristi nenguva nekuti havana zviringazuva (Wachi). Tine dambudziko guru munzvimbo dzatinoshandira nekuti vanhu vakawanda havana…

Read More

COVID-19 Yovharisa Mabhangi, Makereke, Mabasa, Makiriniki

● ZVINO kana ana chiremba nemanesi vobatwa nedenda reCOVID-19, ndiani acharapa nekupepa varwere? Mai vatsva musana, mwana atsva kudumbu. Dai waro zvaibvira, shuramatongo yanyenyeredza varapi vedu munguva ino vagona kuramba vachitipepa sezvavakadzidzira nekupikira. KuBulawayo chipatara chikuru, cheUnited Bulawayo Hospital (UBM) chakazivisa kuti varapi gumi nevasere vaive vabatwa nechakapedza mbudzi, COVID-19. Tine tarisiro yekunaya kwavo nekukasika vadzoke mundima yavo irikudai kurema. Tinopa kutenda kukuru kunemi mose varapi vedu munyika yedu ino. Na Catherine Murombedzi ● Nharire yeutano yeCimas, inove homwe inokandwa mari neruzhinji runogadzirira hurwere hwamangwana yakavhariswa musuo nedzihwa ratekeshera pasi…

Read More

Varume Vakurudzirwa Kuita Bonde Nekurasa Mbeu ka 21 Pamwedzi Kudzivirira Gomarara Reprostate

BAZI rinoona nezve utachiona hweGomarara mu Zimbabwe, Cancer Association of Zimbabwe (CAZ) rakurudzira vanhurume kuti vaite bonde chaizvo kana kurasa mbeu kanokwana iko makumi maviri neimwe (21) kuita kudzoivirara hutachiona kwegomarara re Prostate (Prostate Cancer). Na Michael Gwarisa Vachitaura ivo pamusangano wevatori venhau wakarongwa ne Bazi Re zvehutachiona hwe HIV Muzimbabwe re National Aids Council (NAC) wakaitirwa ku Chinhoyi, Vanoona Nezvekufambiswa kwemashoko ku CAZ, Muzvare Priscilla Mangwiro vakati mutsvakurudzo dzakaitwa nanamazvikokota, zvinoratidza kuti kurasa mbeu kanokwana iko makumi maviri neimwe pamwedzi woga woga kunogona kuderedza mukana wekuti varume vabate hutaichaiona…

Read More

VanaChiremba Vakuru Voratidzira Nenyaya Yekushaya Zvipfeko Zve COVID-19

VANACHIREMBA vakuru vanoshandira muzvipatara zveHurumende, vazivisa kuti vachaisa pasi mapadza ebasa mushure mekunge vamwe vavo vawana utachiona hweCOVID-19 vari pabasa. Mutsamba yavakanyorera mukuru akafanobata chigaro chegurukuta ravanoshandira reUtano Nekurerwa Kwakanaka Kwevana, Muzvinafundo Amos Murwira, musi weChitatu 14 Chikunguru, 2020 vakati tinokuzivisai kuti mukupera kwemazuva gumi nemana, tichaisa tsvimbo dzebasa, mapadza nenhava pasi kana kuchema kwedu kwatadza kunzwikwa. Vakuru vakati mwana asingacheme anofira mubereki. Na Catherine Murombedzi Nekuda kwekushaya simba kunomuka mari yemuno yaita musi nezuva, mari yemuno inotambirwa nanamukoti vakuru haichina basa zvachose. Mari yavanotambira yasiiwa kure kure mumujawo nemitengo,…

Read More